Jah Prayzah – Chimwe neChimwe Lyrics (Gwara Album)

Gore riye rakauya nenhamo

Chimwe ne chimwe chine nguva yacho

Tichabira rwizi mai mwana

 

Chingoomera uripo mangwana zvinonaka

Dura riya uchariona razara

Tichapanda mhodzi mai mwana

Nzara mumba mangu ndikafunga kachana

 

Chimwe nechimwe chine nguva yacho

Tichabira rwizi mai mwana

Chingoomera uripo mangwana zvinonaka

Dura riye uchariona razara

Tichapanda mhodzi mai mwana

 

Tseketsa yakasara

Takaikangira mudhumeni chikwere chikasara nhoko

Kana pfuma yenhaka

Yakaperera mukuripa ngozi yakasiwa nababa

 

Ndaiti tichabereka mwana anosara achitevera gwara

Mimba ikaramba kubata

Ndaiti tichabereka mwana anosara achitevera gwara

Mimba ikaramba kubata

 

Gore rakauya nenhamo

Chimwe ne chimwe chine nguva yacho

Tichabira rwizi mai mwana

 

Chingoomera uripo mangwana zvinonaka

Dura riya uchariona razara

Tichapanda mhodzi mai mwana

Nzara mumba mangu ndikafunga kachana

 

Chimwe ne chimwe chine nguva yacho

Tichabira rwizi mai mwana

Chingoomera uripo mangwana zvinonaka

Dura riya uchariona razara

Tichapanda mhodzi mai mwana

 

Hama dzikauraya mombe

Kutomhanya nebakatwa kunoita mucheka dzafa

Hama dzikauraya mombe

Kutomhanya nebakatwa kunoita mucheka dzafa

 

Shungu dzirege dziputike

Buritsa misodzi zvireruke

Ukawira pasi usimuke

 

Shungu dzirege dziputike

Buritsa misodzi zvireruke

Ukawira pasi usimuke

 

Gore rakauya nenhamo

Chimwe ne chimwe chine nguva yacho

Tichabira rwizi mai mwana

 

Chingoomera uripo mangwana zvinonaka

Dura riya uchariona razara

Tichapanda mhodzi mai mwana

Nzara mumba mangu ndikafunga kachana

 

Chimwe ne chimwe chine nguva yacho

Tichabira rwizi mai mwana

Chingoomera uripo mangwana zvinonaka

Dura riya uchariona razara

Tichapanda mhodzi mai mwana

 

haiwa ….haiwa……haiwa…hai…..hai…

 

Ndaiti tichabereka mwana anosara achitevera gwara

Mimba ikaramba kubata

Ndaiti tichabereka mwana anosara achitevera gwara

Mimba ikaramba kubata

source